Psalms 110

Pisarema raDhavhidhi

1Jehovha akati kuna She wangu,
“Gara kuruoko rwangu rworudyi,
kusvikira ndaita vavengi vako
chitsiko chetsoka dzako.”

2Jehovha achatambanudza tsvimbo yesimba rako kubva muZioni;
uchatonga pakati pavavengi vako.
3Mauto ako achazvipira
pazuva rako rehondo.
Wapfekedzwa nguo youshe, utsvene,
kubva pachizvaro chamambakwedza
uchagamuchira dova roujaya hwako.

4Jehovha akapika,
uye haangashanduki, achiti,
“Iwe uri muprista nokusingaperi,
worudzi rwaMerikizedheki.”

5Jehovha ari kuruoko rwako rworudyi;
achaparadza madzimambo pazuva rehasha dzake.
6Achatonga ndudzi, achiunganidza vakafa,
uye achiparadza vatongi venyika yose.
7Achanwa parukova rwuri parutivi penzira;
naizvozvo achasimudza musoro wake.
Copyright information for SnaBDSC